Acts 17:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aʋa ʋakaŋga ʋakanaka kukunda ʋeTesaronika, ʋakagamucira shoko nomŋoyo wose, ʋacinɀera Magwaro zuʋa rimŋe nerimŋe, kana ɀinhu iɀoɀo ɀiri iɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vaBheria vakanga vane tsika dzakanaka kupfuura vaTesaronika, nokuti vakagamuchira shoko nemwoyo inodisisa uye vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe kuti vaone kana zvairehwa naPauro zvaiva izvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaJudha voko vakanga vachinzwisisa kupinda vaya vokuTesaronika nokuti vakagamuchira shoko nomwoyo unoda kwazvo vachiongorora mazuva ose Magwaro Matsvene kuti zvinhu izvi ndizvo here.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ava vakanga vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.
Shona 2009?
Ava vakanga vachinzwisisa kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.
Shona SUB 2002 Bible
Ava vakanga vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.