Acts 17:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino aʋo ʋakaperekedza Pauro, ʋakamuȿitsa Atene; ʋakati ʋarairwa kuʋudza Sirasi naTimotio, kuti ʋakurumidze kuʋuya kwaari, ʋakabva.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume vakaperekedza Pauro, vakasvika naye paAtene vachibva vadzokera vaine shoko rokuti Sirasi naTimoti vamutevere nokukurumidza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vaya vakaperekedza Pauro vakamusvitsa kuAtene. Pavakaudzwa kuti Sairasi naTimoti vanofanira kuti vauye kwaari nokukurumidza, vakabva vaenda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa Ateni; vakati varayirwa kuudza Sirasi naTimoti, kuti vakurumidze kuuya kwaari, vakabva.
Shona 2009?
Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa Atene; vakati varairwa kuvudza Sirasi naTimotio, kuti vakurumidze kuvuya kwaari, vakabva.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa Ateni; vakati varayirwa kuudza Sirasi naTimoti, kuti vakurumidze kuuya kwaari, vakabva.