Acts 17:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Pauro, amire pakati peAreopago, akati: Imi ʋarume ʋeAtene, paɀinhu ɀose ndinoʋona kuti munonamata ɀikuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Pauro akasimuka mumusangano weAreopagasi akati, “Varume veAtene! Ndinoona kuti panzira dzose muri vanhu vechitendero zvikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro Pauro akamira pakati peAriopagusi akati, “Varume veAteni ndinoona kuti muzvinhu zvose muri vanamati
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Pauro, amire pakati peAreopago, akati, “Imi varume veAteni, pazvinhu zvose ndinoona kuti munonamata zvikuru.
Shona 2009?
Zvino Pauro, amire pakati peAreopago, akati: imwi varume veAtene, pazvinhu zvose ndinovona kuti munonamata zvikuru.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Pauro, amire pakati peAreopago akati, “Imi varume veAteni, pazvinhu zvose ndinoona kuti munonamata zvikuru.