Acts 17:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndakati ndicipfuʋura, ndicicerekedza ɀamunonamata, ndakawana ʋo artari yakanyorwa: KUNAMŊARI USIŊGAZIKANWI. Ɀino camunonamata musiŋgaciziʋi, ndico candinokuparidzirai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndakati ndichifamba-famba uye ndikanyatsotarisisa zvinhu zvamunonamata, ndakaona kunyange nearitari yakanyorwa kunzi: KUNA MWARI ASINGAZIVIKANWI. Zvino chamunonamata sechinhu chisingazivikanwi ndicho chandinokuparidzirai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti zvandafamba neguta ndikaona zvinhu zvamunonamata ndawana imwe atari yakanyorwa kunzi, ‘KUNA MWARI ASINGAZIIKANWI.’ Chamuri kunamata musingazivi ichocho ndicho chandiri kukuparidzai chokuti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndakati ndichipfuura, ndichicherekedza zvamunonamata, ndakawanawo aritari yakanyorwa, ‘KUNA MWARI ASINGAZIKANWI.’ Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai.
Shona 2009?
Nokuti ndakati ndichipfuvura, ndichicherekedza zvamunonamata, ndakawanavo aritari yakanyorwa izvi: KUNAMWARI USINGAZIKAmwI. Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndakati ndichipfuura, ndichicherechedza zvamunonamata, ndakawanawo atari yakanyorwa, ‘KUNA MWARI ASINGAZIKANWI.’ Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai.