Acts 17:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haashumirwi namaʋoko aʋanhu, saaciŋge acishaiwa cinhu, ɀaari iye amene unopa ʋose ʋupenyu, nokufema, neɀose;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye haashumirwi namaoko avanhu, sokunge anoshayiwa chinhu, nokuti iye amene anopa vanhu vose upenyu nokufema uye nezvimwewo zvinhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Haashandirwi namaoko avanhu sokunge ane chimwe chaanoshaya nokuti ndiye anotopa vanhu vose upenyu nemweya wavanofema nawo nezvinhu zvose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haashumirwi namaoko avanhu, saachinge achishayiwa chinhu, zvaari iye amene anopa vose upenyu, nokufema, nezvose;
Shona 2009?
Haashumirwi namavoko avanhu, saachinge achishaiwa chinhu, zvaari iye amene unopa vose vupenyu, nokufema, nezvose;
Shona SUB 2002 Bible
Haashumirwi namaoko avanhu, saachinge achishayiwa chinhu, zvaari iye amene anopa vose upenyu, nokufema, nezvose;