Acts 17:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti ʋatȿake Mŋari, ɀimŋe ʋamutȿaŋgadzire, ʋamuwane, kunyaŋge asiri kure nomumŋe nomumŋe weɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari akaita izvi kuitira kuti vanhu vagomutsvaka kuti zvimwe vangamuwana, kunyange zvake asiri kure nomumwe nomumwe wedu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uye kuti vatsvage Mwari nechitarisiro chokuti vangangomutsvanzvadzira vagomuwana asi iye haasiri kure kwomumwe nomumwe wedu.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti vatsvake Mwari, zvimwe vamutsvangadzire, vamuwane, kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu.
Shona 2009?
kuti vatsvake Mwari, zvimwe vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu.
Shona SUB 2002 Bible
kuti vatsvake Mwari, zvimwe vamutsvangadzire, vamuwane, kunyangwe asiri kure nomumwe nomumwe wedu.