Acts 17:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Mŋari wakarega hake kuraŋgarira ŋguʋa dzokusaziʋa; asi ɀino unoraira ʋanhu ʋose kwose‐kwose kuti ʋatendeʋuke.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari akarega hake kurangarira nguva dzakare dzokusaziva kwakadai, asi zvino anorayira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nguva dzokusaziva dziya, Mwari haana hanya nadzo. Asi iye zvino anoti munhu wose, kose kose zvako, anofanira kupinduka,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Mwari akarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino anorayira vanhu vose kwose-kwose kuti vatendeuke.
Shona 2009?
Naizvozvo Mwari wakarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino unoraira vanhu vose kose-kose kuti vatendevuke.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo Mwari akarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino anoraira vanhu vose kwose–kwose kuti vatendeuke.