Acts 17:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋaciʋashaiwa, ʋakakakatira Jasoni nedzimŋe hama pamberi paʋaɓati ʋeguta, ʋakaɗana, ʋaciti: Aʋa ʋakakaŋganisa nyika yose, ʋakaȿika napano ʋo,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vakati vavashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vachidanidzira vachiti, “Vanhu vaya vakauyisa kutambudzika panyika yose vasvikawo kuno zvino,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakavashaya vakakwekweredza Jasoni navamwe vehama kuvakuru vakuru veguta vachidaidzira vachiti, “Varume ava vapidigura pasi pose, vauya kunowo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vachivashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vakadana, vachiti, “Ava vakakanganisa nyika yose, vakasvika napanowo,
Shona 2009?
Vakati vachivashaiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vakadana, vachiti: Ava vakakanganisa nyika yose, vakasvika napanovo,
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vachivashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vakadana, vachiti, “Ava vakakanganisa nyika yose, vakasvika napanowo,