Acts 18:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Pauro wakati oɗa kushamisa muromo wake, Gario akati kuʋaJuda: Ƌai yaiʋa mhoȿa yeɀisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuʋa nomŋoyo murefu kwamuri, imi ʋaJuda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pauro akati oda kutaura, Gario akati kuvaJudha, “Kana imi vaJudha manga muchinyunyuta pamusoro pemhosva yezvisakarurama kana kutadza kwakaipisisa, zvainge zviri nyore kwandiri kuti ndikuteererei.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pauro paakanga ava kuda kutaura, Gario akati kuvaJudha, “Dai yanga iri mhosva kana kuti kutadza kwakaipisisa, ndaiwana chikonzero chokukuitirai mwoyo murefu, vaJudha imi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Pauro akati oda kushamisa muromo wake, Gario akati kuvaJudha, “Dai yaiva mhosva yezvisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuva nomwoyo murefu kwamuri, imi vaJudha.
Shona 2009?
Zvino Pauro wakati oda kushamisa muromo wake, Gario akati kuvaJudha: Dai yaiva mhosva yezvisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuva nomoyo murefu kwamuri, imwi vaJudha
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Pauro akati oda kushamisa muromo wake, Gario akati kuvaJudha, “Dai yaiva mhosva yezvisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuva nomwoyo murefu kwamuri, imi vaJudha.