Acts 18:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akawana mumŋe muJuda, wainzi Akwira, worudzi rwaʋePonto, acaŋgobva Itaria, naPrisira mukadzi wake; (nokuti Kraudio wakaŋga araira kuti ʋaJuda ʋose ʋabve Roma); akaenda kwaʋari;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ikoko akandosangana nomuJudha ainzi Akwira chizvarwa chePondasi, akanga achangobva kuItari nomukadzi wake Pirisira, nokuti Kiraudhio akanga arayira kuti vaJudha vose vabve muRoma. Pauro akaenda kundomuona,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akawana mumwe muJudha ainzi Akwira, mugari wokuPondusi, akanga achangobva kuItari, nomudzimai wake anonzi Pirisira, nokuti Kiraudiusi akanga ati vaJudha vose ngavabve muRoma. Saka akaenda kundovaona
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akawana mumwe muJudha, ainzi Akwira, worudzi rwavePonto, achangobva Itariya, naPirisira mukadzi wake; (nokuti Kiraudhio akanga arayira kuti vaJudha vose vabve Roma); akaenda kwavari;
Shona 2009?
akawana mumwe muJudha, wainzi Akwira, chizvagwa chePonto, achangobva Itaria, naPrisira mukadzi wake; (nokuti Kraudio wakanga araira kuti vaJudha vose vabve Roma); akaenda kwavari;
Shona SUB 2002 Bible
akawana mumwe muJudha, ainzi Akwira, worudzi rwavePondusi, achangobva Itariya, naPirisira mukadzi wake; (nokuti Kiraudhio akanga arayira kuti vaJudha vose vabve Roma); akaenda kwavari;