Acts 18:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe muJuda wainzi Aporo, worudzi rwapaAreksandria, murume wakaŋga akadzidza ɀikuru, wakaȿika Efeso; wakaŋga anesimba pamagwaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvichakadaro, mumwe muJudha ainzi Aporosi, chizvarwa cheArekizandiria, akasvika kuEfeso. Akanga ari murume akadzidza, aino ruzivo rwaMagwaro chaizvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe muJudha ainzi Aporosi, mugari wokuArekizandiria akauya kuEfesusi. Akanga ari nyanzvi yokutaura, munhu akanga akadzidza kwazvo Magwaro Matsvene.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe muJudha ainzi Aporo, worudzi rwapaArekizandiria, murume akanga akadzidza zvikuru, akasvika Efeso; akanga ane simba pamagwaro.
Shona 2009?
Zvino mumwe muJudha wainzi Aporo, worudzi rwapaArekasandira, murume wakanga akadzidza zvikuru, wakasvika Efeso; wakanga anesimba pamagwaro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe muJudha ainzi Aporo, worudzi rwapaArekizandiria, murume akanga akadzidza zvikuru, akasvika Efeso; akanga ane simba pamagwaro.