Acts 18:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uyu wakaŋga adzidziswa nzira yaShe, akashiŋgaira nomŋeya, acitaura nokunatso‐dzidzisa ɀaJesu, aciziʋa rubapatidzo rwaJohane ɓedzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akanga akadzidziswa nzira yaShe, uye aitaura nesimba guru uye achinyatsodzidzisa nezvaJesu, kunyange zvake aingoziva nezvorubhabhatidzo rwaJohani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akanga akadzidziswa nzira yaTenzi uye nemwoyo wake wose aitaura nokudzidzisa nemazvo chaimo zvaJesu kunyange aiziva ruombeko rwaJohani chete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyu akanga adzidziswa nzira yaIshe, akashingaira nomweya, achitaura nokunatsodzidzisa zvaJesu, achiziva rubhabhatidzo rwaJohani bedzi.
Shona 2009?
Uyu wakanga adzidziswa nzira yaShe, akashingaira nomweya, achitaura nokunyatsodzidzisa zvaJesu, achiziva rubhabhatidzo rwaJohwani bedzi.
Shona SUB 2002 Bible
Uyu akanga adzidziswa nzira yaIshe, akashingaira nomweya, achitaura nokunatsodzidzisa zvaJesu, achiziva rubhabhatidzo rwaJohani bedzi.