Acts 18:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋaci mu dziʋisa, noku mu tuka, akazuza ŋguʋo dzake, akati kwaʋari: Ropa renyu ŋgariʋe pamsoro penyu; ndakacena, kubva ɀino ndicaenda kuʋahedeni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vaJudha vakati vapikisana naPauro uye vachimutuka, akazunza nguo dzake asingafari akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamisoro yenyu! Ini ndakachena pabasa rangu. Kubva zvino ndichaenda kuvaHedheni.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakapokana naye vachimunyomba akazunza hanzu dzake akati kwavari, “Ropa renyu ngarikupfukirei! Ini mhosva handisisina. Kubvira iye zvino ndavakuenda kune vechirudzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vachimudzivisa, nokumutuka, akazunza nguo dzake, akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ndakachena, kubva zvino ndichaenda kuvahedheni.”
Shona 2009?
Zvino vakati vachimudzivisa, nokumutuka, akazuza nguvo dzake, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena, kubva zvino ndichaenda kuvahedheni.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vachimudzivisa, nokumutuka, akazunza nguo dzake, akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ndakachena, kubva zvino ndichaenda kuvahedheni.”