Acts 19:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iɀoɀo ɀakati ɀapedziswa, Pauro akafuŋga mumŋoyo make kuenda Jerusarema, kana ambogura napaMakedonia neAkaya, aciti: Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundoʋona Roma ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwokunge zvose izvi zvaitika, Pauro akafunga zvokuenda kuJerusarema achipfuura nokuMasedhonia, nokuAkaya achiti, “Kana ndambosvika ikoko, ndinofanira kushanyirawo Roma.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure mezvizvi Pauro akafunga, achibatsirwa naMweya, kuti anofanira kupfuura nokuMasedhonia nokuAkaya achienda kuJerusaremu achiti, “Kana ndamboti garei ikoko ndinofanirawo kundoona Roma.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Izvozvo zvakati zvapedziswa, Pauro akafunga mumwoyo make kuenda Jerusaremu, kana ambogura napaMakedhonia neAkaya, achiti, “Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundowana Romawo.”
Shona 2009?
Izvozvo zvakati zvapedziswa, Pauro akafunga mumoyo make kuenda Jerusarema, kana ambogura napaMakedhonia neAkaya, achiti: Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundovona Romavo.
Shona SUB 2002 Bible
Izvozvo zvakati zvapedziswa, Pauro akafunga mumwoyo make kuenda Jerusaremu, kana ambogura napaMasedhonia neAkaa, achiti, “Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundowana Romawo.”