Acts 19:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino munoʋona, nokunzwa, kuti Pauro uyu wakatendisa nokutsausa ʋazhinji, pasati pari paEfeso ɓedzi, asi paneŋge paAsia yose, aciti, ɀakaitwa namaʋoko haʋazi ʋamŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino munozvionawo nokuzvinzwira kuti murume uyu Pauro akaendesa nokutsausa vanhu vazhinji muno muEfeso, uye zviri pachena kuti nomunyika yose yeEzhia zvayo, anoti vamwari vakaitwa navanhu havazi vamwari chaivo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munozviona uye muri kuzvinzwa kuti kwete muEfesusi chete asi kutenge Asia yose, Pauro uyu ari kukurudzira nokutsautsa vanhu vane chitsama chakati kuti, achiti, ‘Vamwari vakaitwa namaoko havasi vamwari.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino munoona, nokunzwa, kuti Pauro uyu akatendisa nokutsausa vazhinji, pasati pari paEfeso bedzi, asi panenge paAsia yose, achiti, zvakaitwa namaoko havazi vamwari.
Shona 2009?
Zvino munovona, nokunzwa, kuti Pauro uyu wakatendisa nokutsausa vazhinji, pasati pari paEfeso bedzi, asi panenge paAsia yose, achiti, zvakaitwa namavoko havazi vamwari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino munoona, nokunzwa, kuti Pauro uyu akatendisa nokutsausa vazhinji, pasati pari paEfeso bedzi, asi panenge paEzhia yose, achiti, zvakaitwa namaoko havazi vamwari.