Acts 19:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino njodzi ndiyo kuti habguzi ʋumhizha bgeɗu ɓedzi bguŋgaɀidzwa, asi kuti tembere yamŋarikadzi mukuru Diana icashoʋorwa, naiye amene, unonamatwa paAsia yose nenyika yose, abviswe paʋukuru bgake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino njodzi iripo ndeyokuti harizi basa redu bedzi richarasikirwa nembiri yaro, asiwo temberi yamwari wedu mukuru, Aritemisi, ichazvidzwa uye iye mwarikadzi pachake, anova ndiye ari kunamatwa munyika yose yeEzhia uye nenyika yose, achatorerwa ukuru hwake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pane njodzi, kwete chete, yokuti shawo yedu iyi ichatorwa sechinhu pasina asi kutiwo Temberi yamwarikadzi mukuru Atemisi, ichava chinhu pasina uyewo achakoromorwa paukuru hwake, iye anonamatwa neAsia yose uye napasi pose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino njodzi ndiyo kuti hahuzi humhizha hwedu bedzi hungazvidzwa, asi kuti temberi yamwarikadzi mukuru Dhiyana ichashorwa, naiye amene, anonamatwa paAsia yose nenyika yose, abviswe paukuru hwake.”
Shona 2009?
Zvino njodzi ndiyo kuti habwuzi vumhizha bweduchetebwungazvidzwa, asi kuti tembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichashovorwa, naiye amene, unonamatwa paAsia yose nenyika yose, abviswe pavukuru bwake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino njodzi ndiyo kuti hahuzi humhizha hwedu bedzi hungazvidzwa, asi kuti temberi yamwarikadzi mukuru Dhiyana ichashorwa, naiye amene, anonamatwa paEzhia yose nenyika yose, abviswe paukuru hwake.”