Acts 19:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakafa neshuŋgu kwaɀo, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Diana waʋaEfeso mukuru!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa vakatanga kudanidzira vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakazvinzwa vakashatirwa zvikuru vakazhamba vachiti, “Atemisi wava Efeso mukuru.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakadanidzira, vachiti, “Dhiana wavaEfeso mukuru!”
Shona 2009?
Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakadanidzira, vachiti: Dhiana wavaEfeso mukuru!
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakadanidzira, vachiti, “Dhiana wavaEfeso mukuru!”