Acts 19:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋamŋe ʋakaɗanidzira ɀimŋe, ʋamŋe ɀimŋe ɀe; nokuti ʋuŋgano yakaŋga yanyoŋganiswa, ʋazhinji ʋasiŋgaziʋi ɀaʋakaʋuŋganira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ungano yakanga yanyonganiswa: vamwe vaidaidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe. Vazhinji vavanhu vakanga vasingatongozivi kuti sei vakanga varipo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paiti ava vanodaidzira ichi vamwe vachidaidzirawo ichi nokuti gungano iroro rakanga rangova nyonganyonga. Vazhinji vavo vakanga vasingamboziva kuti vakanga vaunganira chii.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vamwe vakadanidzira zvimwe, vamwe zvimwezve; nokuti ungano yakanga yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakaunganira.
Shona 2009?
Zvino vamwe vakadanidzira zvimwe, vamwe zvimwe zve; nokuti vungano yakanga yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakavunganira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vamwe vakadanidzira zvimwe, vamwe zvimwezve; nokuti ungano yakanga yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakaunganira.