Acts 19:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakaɓuɗisa Areksandro mukati maʋanhu ʋazhinji, ʋaJuda ʋacimusundira mberi; ɀino Areksandro akaninira noruʋoko, aciɗa kuɀiɗaʋirira pamberi paʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaJudha vakasundidzira Arekizanda mberi, uye vamwe vazhinji vaidanidzira vachimurayira zvokuita. Iye akaninira vanhu kuti vanyarare kuitira kuti agone kuzvidavirira pamberi pavanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe vemhomho iyoyo vakataurira Arekizanda zvokuita nokuti ndiye akanga aiswa mberi navaJudha. Arekizanda akabva aninira vanhu noruoko achida kuzvidavirira kumhomho iyoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakabudisa Arekizanda mukati mavanhu vazhinji, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Arekizanda akaninira noruoko, achida kuzvidavirira pamberi pavanhu.
Shona 2009?
Ipapo vakabudisa Arekisandro mukati mavanhu vazhinji, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Areksandro akaninira noruvoko, achida kuzvidavirira pamberi pavanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vakabudisa Arekizanda mukati mavanhu vazhinji, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Arekizanda akaninira noruoko, achida kuzvidavirira pamberi pavanhu.