Acts 19:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakati ʋaciʋona kuti iye muJuda, inzwi rimŋe rikamuka kunaʋose, ʋakaɗanidzira ŋguʋa dzineŋge mbiri, ʋaciti: Diana waʋaEfeso mukuru!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi pavakaona kuti iye aiva muJudha, vose vakadanidzira pamwe chete kwenguva dzinenge maawa maviri vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakaona kuti muJudha, vakaramba vachidaidzira kwamaawa maviri vachiti, “Dhayana wavaEfeso mukuru.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakati vachiona kuti iye muJudha, izwi rimwe rikamuka kuna vose, vakadanidzira nguva dzinenge mbiri, vachiti, “Dhiyana wavaEfeso mukuru!”
Shona 2009?
Ipapo vakati vachivona kuti iye muJudha, inzwi rimwe rikamuka kuna vose, vakadanidzira nguva dzinenge mbiri, vachiti: Dhiana wavaEfeso mukuru!
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vakati vachiona kuti iye muJudha, izwi rimwe rikamuka kuna vose, vakadanidzira nguva dzinenge mbiri, vachiti, “Dhiyana wavaEfeso mukuru!”