Acts 19:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino munyori weguta wakanyaradza ʋanhu, akati: Ʋarume ʋeEfeso, munhu ndoupiko usiŋgaziʋi, kuti guta raʋaEfeso ndiwo muceŋgeti wetembere yaDiana mukuru nowo mufananidzo wakaɓuruka kuɗeŋga?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munyori weguta akanyaradza vanhu akati, “Varume veEfeso, ko, nyika yose haizivi here kuti guta reEfeso ndiro rinochengeta temberi yaAritemisi mukuru nomufananidzo wake, uyo wakawa uchibva kudenga?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munyori weguta paakanga anyararidza vanhu akati, “Nhaimi vanhu veEfesusi ndiani asingazivi kuti guta ravaEfesusi ndiro muchengeti wetemberi yaAtemisi mukuru mukuru uye muchengeti wedombo dzvene rakadonha mudenga?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino munyori weguta akanyaradza vanhu, akati, “Varume veEfeso, munhu ndoupiko asingazivi, kuti guta ravaEfeso ndiwo muchengeti wetemberi yaDhiyana mukuru nowomufananidzo akaburuka kudenga?
Shona 2009?
Zvino munyori weguta wakanyaradza vanhu, akati: Varume veEfeso, munhu ndoupiko usingazivi, kuti guta ravaEfeso ndiro mushumiri wamwari kadzi mukuru Dhiana nowechifananidzo chakawa kubva kunaJupiteri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino munyori weguta akanyaradza vanhu, akati, “Varume veEfeso, munhu ndoupiko asingazivi, kuti guta ravaEfeso ndiwo muchengeti wetemberi yaDhiyana mukuru nowomufananidzo akaburuka kudenga?