Acts 19:40 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti njodzi ndiyo kuti tiŋgakwirirwa pamsoro peɓope ranhasi, ɀakusinemhoȿa; kana ciri cinhu ici hatiŋgagoni kupindura pamsoro pemhere‐mhere iyi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi sezvazviri izvi, tiri panjodzi yokuti tingangopiwa mhosva yokumutsa bongozozo nokuda kwezvaitika nhasi. Kana pane chimwezve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tine njodzi yokupihwa mhosva yokumutsa manyongori nhasi nokuti hapana chikonzero chatinogona kupa chinonzwika chenyonganyonga iyi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti njodzi ndiyo kuti tingakwirirwa pamusoro pebope ranhasi, zvakusina mhosva; kana chiri chinhu ichi hatingagoni kupindura pamusoro pemheremhere iyi.”
Shona 2009?
Nokuti njodzi ndiyo kuti tingakwirirwa pamusoro pebope ranhasi, zvakusinemhosva; kana chiri chinhu ichi hatingagoni kupindura pamusoro pemhere-mhere iyi.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti njodzi ndiyo kuti tingakwirirwa pamusoro pebope ranhasi, zvakusina mhosva; kana chiri chinhu ichi hatingagoni kupindura pamusoro pemhere–mhere iyi.”