Acts 2:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarume ʋaIsraeri, ɗonzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakaratidzwa naMŋari kwamuri namaɓasa esimba, neɀishamiso, neɀiratidzo ɀakaitwa naMŋari pakati penyu naye, seɀamunoziʋa imi mumene;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Varume, vaIsiraeri teererai mazwi aya anoti Jesu wokuNazareti, munhu akapupurirwa kwamuri naMwari namabasa makuru nezvishamiso nezviratidzo zvakaitwa pakati penyu naMwari nemaari sokuziva kwenyu,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varume veIsiraeri, donzwai mashoko awa, Jesu weNazareta, murume akaratidzwa naMwari kwamuri namabasa esimba, nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imi mumene;
Shona 2009?
Varume vaIsraeri, donzwai mashoko awa; Jesu weNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu namabasa esimba nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imwi mumene,
Shona SUB 2002 Bible
Varume veIsiraeri, donzwai mashoko awa, Jesu weNazareta, murume akaratidzwa naMwari kwamuri namabasa esimba, nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imi mumene;