Acts 2:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iye wakamutswa naMŋari, a mu sunuŋgura pa kurwadziwa kworufu; nokuti ɀakaŋga ɀisiŋgabviri kuti aɓatwe narwo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Mwari akamumutsa amusunungura marwadzo orufu nokuti zvakanga zvisingagoneki kuti arambe akasungwa narwo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iye akamutswa naMwari, amusunungura pakurwadziwa kworufu; nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo.
Shona 2009?
iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo.
Shona SUB 2002 Bible
iye akamutswa naMwari, amusunungura pakurwadziwa kworufu; nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo.