Acts 2:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Davidi wakataura pamsoro pake, aciti: Ndakaʋona Ishe pamberi paŋgu misi yose, Nokuti uri kurudyi rwaŋgu, kuti ndirege kuzunuŋguswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akataura nezvake achiti: “ ‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handingatongozungunuswi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chikonzero ndechokuti Dhavhidhi achitaura nezvake anoti: “Ndaiona Mwari ari pamberi pangu nguva dzose nokuti ari kurudyi kwangu kuti ndirege kuzunguzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Dhavhidhi akataura pamusoro pake, achiti, ‘Ndakaona Ishe pamberi pangu misi yose, Nokuti ari kurudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.
Shona 2009?
Nokuti Dhavhidhi wakataura pamusoro pake: Ndakavona Ishe pamberi pangu nguva dzose; nokuti uri kuruoko rworudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Dhavhidhi akataura pamusoro pake, achiti, ‘Ndakaona Ishe pamberi pangu misi yose, Nokuti ari kurudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.