Acts 2:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarume, hama, ndiŋgakuʋudzai pacena ɀateteguru Davidi, kuti ʋakafa, ʋakaʋigwa, bgiro bgaʋo bguri pakati peɗu kuȿikira nhasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Hama, ndingakuudzai ndiine chokwadi kuti tateguru wedu Dhavhidhi akafa akavigwa, uye guva rake richiri pano kusvikira nhasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hama, regai ndikutaurirei zviri pachena nezvaTateguru wedu Dhavhidhi kuti akafa akavigwa uye guva rake tinaro nanhasi uno.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Varume, hama, ndingakuudzai pachena zvatateguru Dhavhidhi, kuti vakafa, vakavigwa, bwiro hwavo huri pakati pedu kusvikira nhasi.
Shona 2009?
Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti vakafa vakavigwa, bwiro bwavo bwuri pakati pedu kusvikira zuva ranhasi.
Shona SUB 2002 Bible
“Varume, hama, ndingakuudzai pachena zvatateguru Dhavhidhi, kuti vakafa, vakavigwa, hwiro hwavo huri pakati pedu kusvikira nhasi.