Acts 2:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ɀaakaŋga ari muprofita, aciziʋa ʋo kuti Mŋari wakamupikira nemhiko kuti ucagadza pacigaro cake coʋushe mumŋe weɀiɓereko ɀeciʋuno cake,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi akanga ari muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amuvimbisa nemhiko kuti aizogadza mumwe wezvizvarwa zvake pachigaro choushe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nezvo somuporofita, uye zvaaiziva kuti Mwari akapika nechitsidzo kwaari kuti achaisa mumwe wechizvarwa chake pachigaro chake choumambo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino zvaakanga ari muporofita, achizivawo kuti Mwari akamupikira nemhiko kuti achagadza pachigaro chake choushe mumwe wezvibereko zvechiwuno chake,
Shona 2009?
Zvino zvaari muporofita, achizivavo kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kunomumwe wezvibereko zvechivuno chake munyama, uchasimudza Kristu uchagadza pachigaro chake chovushe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino zvaakanga ari muporofita, achizivawo kuti Mwari akamupikira nemhiko kuti achagadza pachigaro chake choushe mumwe wezvibereko zvechiuno chake,