Acts 2:38 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Petro akati kwaʋari: Tendeʋukai, mumŋe nomumŋe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukaŋganwirwe ɀiʋi, mupiwe cipiwa coMŋeya Mutȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pita akati kwavari, “Pindukai muombekwe mose zvenyu muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvitadzo zvenyu. Munobva magamuchira chipo chaMweya Mutsvene.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Petirosi akati kwavari, “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti muregererwe zvivi, mupiwe chipikirwa choMweya Mutsvene.
Shona 2009?
Ipapo Peturo akati kwavari: Tendevukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu nezita raJesu Kristu, kuti mukangamwirwe zvivi, zvino muchagamuchira Mweya Mutsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Petirosi akati kwavari, “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti muregererwe zvivi, mupiwe chipikirwa choMweya Mutsvene.