Acts 20:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Pauro wakaŋga ati: Ndicapfuʋura Efeso necikepe, kuti arege kunonoka paAsia; nokuti wakaŋga acikurumidza kuti kana aiɀigona aʋe Jerusarema nezuʋa rePentekosta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pauro akanga afunga zvokupfuura napaEfeso nechikepe achiitira kuti vasapedza nguva vari munyika yeEzhia nokuti akanga achimhanyira kusvika kuJerusarema, kana zvaibvira, nezuva rePendekosti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti Pauro akanga afunga kuenda nechikepe achipfuura nokuEfesusi kuti arege kupedza nguva ari kuAsia nokukurumidzira kuva kuJerusaremu, kana zvaigoneka pazuva rePendekosti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Pauro akanga ati, ndichapfuura Efeso nechikepe, kuti arege kunonoka paAsia; nokuti akanga achikurumidza kuti kana aizvigona ave Jerusaremu nezuva rePendekositi.
Shona 2009?
Nokuti Pauro wakanga achiti: Ndichapfuvura Efeso nechikepe, kuti arege kunonoka paAsia; nokuti wakanga achikurumidza kuti kana zvichibvira ave Jerusarema nezuva rePendekosita.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Pauro akanga ati, ndichapfuura Efeso nechikepe, kuti arege kunonoka paEzhia; nokuti akanga achikurumidza kuti kana aizvigona ave Jerusaremu nezuva rePendekositi.