Acts 20:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi handinehanya noʋupenyu bgaŋgu, handibguɗi, kuti ndipedze rwendo rwaŋgu neɓasa randakapiwa naShe Jesu, rokupupura kwaɀo Evaŋgeri yenyasha dzaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asi handiverengi upenyu hwangu sehune maturo kana kuti hwakakosha kwandiri chero ndikapedza chinhanho changu nebasa randakapiwa naTenzi Jesu rokupupurira Shoko Rakanaka renyasha dzaMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi handina hanya noupenyu hwangu, handihudi, kuti ndipedze rwendo rwangu nebasa randakapiwa nalshe Jesu, rokupupura kwazvo Vhangeri yenyasha dzaMwari.
Shona 2009?
Asi hakuna chimwe chezvinhu izvi chinondidzosera shure uye handiverengi kuti upenyu hwangu hunokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nomufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rokupupura kwazvo evhangeri yenyasha dzaMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Asi handina hanya noupenyu hwangu, handihudi, kuti ndipedze rwendo rwangu nebasa randakapiwa naIshe Jesu, rokupupura kwazvo Vhangeri yenyasha dzaMwari.