Acts 20:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye, napakati penyu pamene pacamuka ʋarume, ʋacataura ɀinopesanisa, kuti ʋatsause ʋadzidzi ʋaʋateʋere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange pakati penyu iyemi vanhu vachamuka vachiminamisa chokwadi vachiitira kuti vatape vadzidzi kuti vavatevere.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange mukati menyu iyemi muchamuka varume vachataura zvakatsauka kuti vakwezvere vadzidzi kwavari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere.
Shona 2009?
Vuye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere.
Shona SUB 2002 Bible
Uye, napakati penyu chaipo pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere.