Acts 20:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nomusi wokutaŋga weviki, takaʋuŋgana kuti timeɗure ciŋgwa, Pauro akataurirana naʋo, aciɗa kuenda maŋgwana; akaramba aciparidza shoko kuȿikira pakati poʋusiku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nomusi wokutanga wevhiki takaungana pamwe chete kuti timedure chingwa. Pauro akataura kuvanhu uye, nokuda kwokuti akanga achida kuenda pazuva raitevera, akaramba achingotaura kusvikira pakati pousiku.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rokutanga revhiki, patainge takaungana kuti timedure chingwa, Pauro akataura navo achida kuzosimuka mangwana acho. Akarebesa nhauro yake kusvikira pakati pousiku.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nomusi wokutanga wevhiki, takaungana kuti timedure chingwa, Pauro akataurirana navo, achida kuenda mangwana; akaramba achiparidza shoko kusvikira pakati pousiku.
Shona 2009?
Zvino nomusi wokutanga wevhiki, takavungana kuti timedure chingwa, Pauro akataurirana navo, achida kuenda mangwana; akaramba achiparidza shoko kusvikira pakati povusiku.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nomusi wokutanga wevhiki, takaungana kuti timedure chingwa, Pauro akataurirana navo, achida kuenda mangwana; akaramba achiparidza shoko kusvikira pakati pousiku.