Acts 20:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pawindi pakaŋga pagere rimŋe jaya, rainzi Yutiko, rikaɓatwa nehope kwaɀo; ɀino Pauro, wakati aciŋgoramba aciparidza, iye akaɓatwa nehope, akawira pasi, acibva paimba yecitatu yokumsoro, akasimudzwa afa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pawindo pakanga pagere jaya rainzi Yutiko, uyo akanga abatwa nehope huru sezvo Pauro akanga achingoramba achitaura. Paakanga anyatsobatwa nehope akawira pasi achibva paimba yechitatu yapamusoro akazonongwa afa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rimwe jaya rainzi Yutikusi rakanga rakagara pawindo, rakabatwa nehope zvikuru Pauro paakaramba achingotaura. Paakakundwa nehope akaputsikira pasi kubva panhurikidzwa yechitatu vakazomutora iye atofa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pawindo pakanga pagere rimwe jaya, rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo; zvino Pauro, akati achingoramba achiparidza, iye akabatwa nehope, akawira pasi, achibva paimba yechitatu yokumusoro, akasimudzwa afa.
Shona 2009?
Zvino pahwindi pakanga pagere rimwe jaya, rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo, zvino Pauro, wakati achingoramba achiparidza, iye akabatwa nehope, akawira pasi, achibva paimba yechitatu yokumusoro, akasimudzwa afa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino pahwindo pakanga pagere rimwe jaya, rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo; zvino Pauro, akati achingoramba achiparidza, iye akabatwa nehope, akawira pasi, achibva paimba yechitatu yokumusoro, akasimudzwa afa.