Acts 21:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akaʋuya kwatiri, akatora banhire raPauro, akaɀisuŋga makumbo namaʋoko ake, akati: Mŋeya Mutȿene unoreʋa kuɗai: Saiɀoɀo ʋaJuda paJerusarema ʋacasuŋga murume, mŋene webanhire iri, nokumuisa pamaʋoko aʋahedeni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akabva azvisunga makumbo namaoko ake naro akati, “Mweya Mutsvene anoti, ‘Nenzira imwe chete iyoyi, vaJudha vokuJerusarema vachasunga muridzi webhanhire vagomuisa mumaoko avaHedheni.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakauya kwatiri akatora bhande raPauro akazvisunga makumbo namaoko akati zvanzi naMweya Mutsvene, “Ndiko kusungwa kuchaitwa, navaJudha vokuJerusaremu, muridzi webhande iri vachizomuturira mumaoko evechirudzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akauya kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga makumbo namaoko ake, akati, “Mweya Mutsvene anoreva kudai, saizvozvo vaJudha paJerusaremu vachasunga murume, mwene webhanhire iri, nokumuisa pamaoko avahedheni.”
Shona 2009?
akavuya kwatiri, akatora bhanire raPauro, akazvisunga makumbo namavoko ake, akati: Mweya Mutsvene unoreva kudai: Saizvozvo vaJudha paJerusarema vachasunga murume, mwene webhanire iri, nokumuisa pamavoko avahedheni.
Shona SUB 2002 Bible
akauya kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga makumbo namaoko ake, akati, “Mweya Mutsvene anoreva kudai, saizvozvo vaJudha paJerusaremu vachasunga murume, mwene webhandi iri, nokumuisa pamaoko avahedheni.”