Acts 21:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Pauro akapindura, akati: Munoiteiko, mucicema nokuputsa mŋoyo waŋgu? Nokuti ini handina‐kuɀigadzirira kusuŋgwa ɓedzi, asi kunyaŋge kufira zita raShe Jesu paJerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Pauro akapindura akati, “Seiko muchichema uye muchirwadzisa mwoyo wangu? Ini ndakagadzirira kwete kusungwa kwoga, asi kufawo muJerusarema nokuda kwezita raIshe Jesu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pauro akapindura achiti, “Ko muri kuiteiko, kuchema muchindibaya mwoyo kudai. Inga wani ndakatogadzirira, kwete chete kusungwa, asi kana kutofira zita raTenzi Jesu kuJerusaremu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Pauro akapindura, akati, “Munoiteiko, muchichema nokuputsa mwoyo wangu? Nokuti ini handina kuzvigadzirira kusungwa bedzi, asi kunyange kufira zita raIshe Jesu paJerusaremu.”
Shona 2009?
Ipapo Pauro akapindura, akati; Munoiteiko, muchichema nokuputsa moyo wangu? Nokuti ini handina kuzvigadzirira kusungwa bedzi, asi kunyange kufira zita raShe Jesu paJerusarema.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Pauro akapindura, akati, “Munoiteiko, muchichema nokuputsa mwoyo wangu? Nokuti ini handina kuzvigadzirira kusungwa bedzi, asi kunyangwe kufira zita raIshe Jesu paJerusaremu.”