Acts 21:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Na ʋamŋe ʋadzidzi ʋeKesaria ʋakaenda nesu, ʋakaʋuya ʋo nomumŋe, wainzi Mnasoni, mudzidzi wakare, weKupro, wataindogara naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe vadzidzi vokuKesaria vakatiperekedza vakatisvitsa kuimba yaMunasoni, uko kwataifanira kundogara. Iye akanga ari murume aibva kuSaipurasi uye ari mumwe wavadzidzi vokutanga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe vadzidzi vokuSezaria vakaenda nesu. Vakatisvitsa kumba kwaMunasoni wekuSaipurasi mudzidzi wapakutanga chaipo ane kumba kwataifanira kundogara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Navamwe vadzidzi veKesaria vakaenda nesu, vakauyawo nomumwe, ainzi Minasoni, mudzidzi wakare, weSaipurasi, wataindogara naye.
Shona 2009?
Navamwe vadzidzi veKesaria vakaenda nesu, vakavuya vo nomumwe, wainzi Naasoni, mudzidzi wakare weKupro, wataindogara naye.
Shona SUB 2002 Bible
Navamwe vadzidzi veSizaria vakaenda nesu, vakauyawo nomumwe, ainzi Minasoni, mudzidzi wakare, weSaipurasi, wataindogara naye.