Acts 21:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
uʋatore, uɀinatse pamŋe cete naʋo, uʋaripire, ʋagoʋeʋura misoro yaʋo; ipapo ʋose ʋacaziʋa, kuti haazi mashoko eɀokwaɗi, aʋakaʋudzwa pamsoro pako; asi kuti iwe ʋo unofamba ɀakanaka, uciceŋgeta murairo umene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tora varume ava, ubatane navo pakuzvinatsa kwavo uye iwe ugovaripira, kuti vaveurwe misoro yavo. Ipapo munhu wose achaziva kuti hapana chokwadi pane zviri kurehwa pamusoro pako, asi kuti iwe pachako unoteerera murayiro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tora varume ivavo uzvichenure pamwechete navo uvabhadharire kuti vaveure musoro vose. Vanobva vaziva kuti zvavanga vachitaurirwa nezvako hapana zviripo asi kuti iwe pachako muupenyu hwako unochengeta mutemo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uvatore, uzvinatse pamwechete navo, uvaripire, vagoveura misoro yavo; ipapo vose vachaziva, kuti haazi mashoko ezvokwadi, avakaudzwa pamusoro pako; asi kuti iwewo unofamba zvakanaka, uchichengeta murayiro umene.
Shona 2009?
uvatore, uzvinatse pamwe chete navo, uvaripire, vagovevura misoro yavo; ipapo vose vachaziva, kuti haazi mashoko echokwadi, avakavudzwa pamusoro pako; asi kuti iwevo unofamba zvakanaka uchichengeta murairo umene.
Shona SUB 2002 Bible
uvatore, uzvinatse pamwechete navo, uvaripire, vagoveura misoro yavo; ipapo vose vachaziva, kuti haazi mashoko ezvokwadi, avakaudzwa pamusoro pako; asi kuti iwewo unofamba zvakanaka, uchichengeta murairo umene.