Acts 21:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Pauro akatora ʋarume aʋo, akaɀinatsa pamŋe cete naʋo nezuʋa rakateʋera, akapinda mutembere, kuti aziʋise kupera kwamazuʋa okunatsa, kuȿikira mumŋe nomumŋe aɓayirwa ciɓayiro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zuva rakatevera Pauro akatora varume vaya uye akazvinatsa pamwe chete navo. Ipapo akaenda kutemberi kundozivisa kupera kwamazuva okuzvinatsa uye chipiriso chichizoitirwa mumwe nomumwe wavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pauro akatora varume vaya. Zuva rakatevera akazvichenura pamwechete navarume vaya akapinda muTemberi kundotaura kuti mazuva okuzvichenura kwavo anopera rini nechibayiro chinopirirwa mumwe nomumwe wavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Pauro akatora varume avo, akazvinatsa pamwechete navo nezuva rakatevera, akapinda mutemberi, kuti azivise kupera kwamazuva okunatsa, kusvikira mumwe nomumwe abayirwa chibayiro.
Shona 2009?
Ipapo Pauro akatora varume avo, akazvinatsa pamwe chete navo nezuva rakatevera, akapinda mutembere kuti azivise kupera kwamazuva okunatsa, kusvikira mumwe nomumwe abayirwa chibayiro.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Pauro akatora varume avo, akazvinatsa pamwechete navo nezuva rakatevera, akapinda mutemberi, kuti azivise kupera kwamazuva okunatsa, kusvikira mumwe nomumwe abayirwa chibayiro.