Acts 21:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ʋarume ʋaIsraeri, ɓatsirai! Uyu ndiye munhu unodzidzisa ʋanhu kwose‐kwose ɀinopesana naʋanhu, nomurairo, nenɀimbo ino; ʋuye ɀe, wakaʋuya naʋaGiriki mutembere, akaȿiɓisa nɀimbo ino tȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
vachishevedzera vachiti, “Varume veIsraeri, tibatsirei! Uyu ndiye murume anodzidzisa vanhu kwose kwose zvinopesana navanhu vokwedu, murayiwo wedu uye nenzvimbo ino. Zvisati zviri izvozvo zvoga, akapinza vaGiriki muruvanze rwetemberi akasvibisa nzvimbo iyi tsvene.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Varume, vaIsiraeri, uyai tibatsirane uyu ndiye murume ari kudzidzisa vanhu kose kose zvinorwisana navanhu vedu uye zvinorwisana nomutemo wedu nezvinorwisana nenzvimbo ino. Chimwezve ndechokuti akaunza vaGiriki muTemberi uye akan'oresa nzvimbo ino tsvene.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakadanidzira, vachiti, “Varume vaIsiraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vanhu kwose-kwose zvinopesana navanhu, nomurayiro, nenzvimbo ino; uyezve akauya navaGiriki mutemberi, akasvibisa nzvimbo ino tsvene.”
Shona 2009?
vakadanidzira, vachiti: Varume vaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu unodzidzisa vanhu kose-kose zvinopesana navanhu, nomurairo, nenzvimbo ino, uye zve vakavuya navaGiriki mutembere, akasvibisa nzvimbo ino tsvene.
Shona SUB 2002 Bible
vakadanidzira, vachiti, “Varume VaIsiraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vanhu kwose–kwose zvinopesana navanhu, nomurairo, nenzvimbo ino; uyezve akauya navaGiriki mutemberi, akasvibisa nzvimbo ino tsvene.”