Acts 21:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo guta rose rakanyoŋganiswa, ʋanhu ʋakamhanyira pamŋe cete; ʋakaɓata Pauro, ʋakamukweʋera kunze kwetembere, mikoʋa ikazarirwa pakarepo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Guta rose rakamutswa, uye vanhu vakauya vachimhanya vachibva kumativi ose. Vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetemberi, pakarepo masuo akazarirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Guta rose rakanyanduka vanhu ndokubva vati unga unga kuungana. Vakabata Pauro vakamukwekwereretsera kunze kweTemberi. Pakarepo misuo mikuru yakabva yazarirwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo guta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwechete; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetemberi, misuo ikazarirwa pakarepo.
Shona 2009?
Ipapo guta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwe chete; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere, mikova ikazarirwa pakarepo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo guta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwechete; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetemberi, misuwo ikazarirwa pakarepo.