Acts 21:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukuru wecuru camazana akasweɗera, akamuɓata, ndokuraira kuti asuŋgwe namaketani maʋiri; akabvunza kuti ndiani, ʋuye kuti waiteiko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukuru wamauto akauya akasunga Pauro uye akarayira kuti asungwe nengetani mbiri. Ipapo akamubvunza kuti akanga ari ani uye kuti akanga aitei.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukuru mukuru wamasoja uya paakasvika pedyo akamusunga akati anofanira kusungwa necheni mbiri. Akabvunza kuti ndiani uye kuti aiitei. Vamwe mumhomho iyoyo, vaidaidzira vachiti, ava vanotaura izvi avawo vachitaurawo zvimwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino mukuru wechiuru chamazana akaswedera, akamubata, ndokurayira kuti asungwe nengetani mbiri; akabvunza kuti ndiani, uye kuti aiteiko.”
Shona 2009?
Zvino mukuru wechuru chemazana akaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe namaketani maviri; akabvunza kuti ndiani, uye kuti waiteiko.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino mukuru wechiuru chamazana akaswedera, akamubata, ndokurayira kuti asungwe nengetani mbiri; akabvunza kuti ndiani, uye kuti aiteiko.”