Acts 21:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati aciȿika paɀikwiriso, akaita sokutakurwa naʋarwi, nokuɗa kwesimba raʋanhu ʋazhinji;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pauro akati asvika pamatanho, bongozozo ravanhu rakanga rakurisa zvokuti akaita zvokutotakurwa navarwi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakasvika pamadanho okupinda mumba akatoita zvokutotakurwa kwazvo namasoja nokuda kwechisimba chakanga choitwa nebvakapfaka riya
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati achisvika pazvikwiriso, akaita sokutakurwa navarwi;
Shona 2009?
Wakati achisvika pazvikwiriso, akaita sokutakurwa navarwi, nokuda kwesimba ravanhu vazhinji;
Shona SUB 2002 Bible
Akati achisvika pazvikwiriso, akaita sokutakurwa navarwi;