Acts 21:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Pauro akati: Ini ndiri muJuda weTarso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure naʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pauro akapindura akati, “Ini ndiri muJudha anobva kuTasasi kuSirisia, munhu weguta rakakurumbira. Ndapota regai nditaure kuvanhu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pauro akapindura achiti, “Ini ndiri muJudha anobva kuTasusi kuSirisia, mugari weguta rinozivikanwa. Ndinokutetererai kuti mundibvumirewo kuti nditaure kuvanhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Pauro akati, “Ini ndiri muJudha weTaso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure navanhu.”
Shona 2009?
Ipapo Pauro akati: Ini ndiri muJudha weTaso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure navanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Pauro akati, “Ini ndiri muJudha weTasasi muSirisia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure navanhu.”