Acts 21:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati amutendera, Pauro akamira paɀikwiriso, akaninira ʋanhu noruʋoko rwake; ɀino ʋakati ʋanyarara kwaɀo, akataura norurimi rweciHeberu, akati:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati apiwa mvumo nomukuru wavarwi, Pauro akamira pamatanho akaninira vanhu noruoko rwake. Uye vakati vanyarara vose, akati kwavari nechiHebheru:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakamubvumira, Pauro akaninira ruoko kuvanhu amire pamasitepisi enzvimbo iyoyo. Pakwakanyararwa kuti mwi — i akataura nomutauro wechiHebheru achiti:
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati amutendera, Pauro akamira pazvikwiriso, akaninira vanhu noruoko rwake; zvino vakati vanyarara kwazvo, akataura norurimi rwechiHebheru, akati,
Shona 2009?
Zvino wakati amutendera, Pauro akamira pazvikwiriso, akaninira vanhu noruvoko rwake; zvino vakati vanyarara kwazvo, akataura norurimi rwechiHebheru, achiti:
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati amutendera, Pauro akamira pazvikwiriso, akaninira vanhu noruoko rwake; zvino vakati vanyarara kwazvo, akataura norurimi rweChiHebheru akati.