Acts 21:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino takati tapedza’ po mazuʋa, tikabva, tikaenda; iʋo ʋose, naʋakadzi naʋana, ʋakatiperekedza kuȿikira taɓuɗa paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyeŋgetera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi nguva yedu yakati yapera, takabvapo tikaenderera mberi norwendo rwedu. Vadzidzi vose pamwe chete navakadzi vavo navana vakatiperekedza vakatisiya tava kunze kweguta, uye pamahombekombe ipapo takapfugama tikanyengetera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakapera mazuva edu ikoko, takasimuka tikaenda murwendo rwedu. Vakatiperekedza vose namadzimai avo navana kusvikira kunze kweguta. Takapfugama pamahombekombe egungwa tikanamata ndokuonekana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino takati tapedzapo mazuva, tikabva, tikaenda; ivo vose, navakadzi navana, vakatiperekedza kusvikira tabuda paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyengetera.
Shona 2009?
Zvino takati tapedzapo mazuva tikabva, tikaenda; ivo vose, navakadzi navana, vakatiperekedza kusvikira tabuda paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyengetera.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino takati tapedzapo mazuva, tikabva, tikaenda; ivo vose, navakadzi navana, vakatiperekedza kusvikira tabuda paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyengetera.