Acts 21:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Fume maŋgwana tikabva’po, tikaȿika Kesaria; ipapo tikapinda mumba maFiripo, Muevaŋgeri, mumŋe waʋanomŋe, tikagara naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zuva rakatevera takabvapo, tikandosvika kuKesaria tikandogara pamba pomuvhangeri Firipi, mumwe wavaya vanomwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ramangwana takasimuka tikasvika kuSezaria tikanopinda mumba maFiripi, muparidzi aiva mumwe wavanomwe vaya, tikagara naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Fume mangwana tikabvapo, tikasvika Kesaria; ipapo tikapinda mumba maFiripi, Muvhangeri, mumwe wavanomwe, tikagara naye.
Shona 2009?
Fume mangwana isu taiva veboka raPauro tikabvapo, tikasvika Kesaria; ipapo tikapinda mumba maFiripi, Muevhangeri, mumwe wavanomwe, tikagara naye.
Shona SUB 2002 Bible
Fume mangwana tikabvapo, tikasvika Sizaria; ipapo tikapinda mumba maFiripi, Muvhangeri, mumwe wavanomwe, tikagara naye.