Acts 22:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndikati: Ishe, ʋanoziʋa ʋamene kuti ini ndaiisa mutoroŋgo, nokuroʋa mumasinagoge, aʋo ʋaitenda kwamuri;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndakapindura ndikati, ‘Ishe, vanhu ava vanoziva kuti ndakanga ndichienda musinagoge rimwe nerimwe kuti ndinosunga uye ndirove vaya vaitenda kwamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini ndakati, “Tenzi ivo pachavo vanoziva kuti musinagogu yoga yoga ndaiisa vanhu mujeri ndichirova vaitenda mamuri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndikati, ‘Ishe, vanoziva vamene kuti ini ndaiisa mutorongo, nokurova mumasinagoge, avo vaitenda kwamuri;
Shona 2009?
Ipapo ndikati: Ishe, vanoziva vamene kuti ini ndaiisa mutirongo, nokurova mumasinagoge, avo vaitenda kwamuri;
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndikati, ‘Ishe, vanoziva vamene kuti ini ndaiisa mutorongo, nokurova mumasinagoge, avo vaitenda kwamuri;