Acts 22:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mukuru wecuru camazana akaraira, kuti aiswe kuimba yaʋarwi, aciti abvunzwe nokurobga ɀikuru, kuti aziʋe mhoȿa yaʋakaŋga ʋamupopoterera kuɗai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
mukuru wavarwi akarayira kuti Pauro aendeswe kudzimba dzavarwi. Akarayira kuti arohwe uye abvunzwe kuitira kuti vazive kuti nemhaka yei vanhu vakanga vachimupopotera kudai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mukuru mukuru wamasoja akati ngaauiswe munzvimbo inogara masoja vamurove kwazvo kuti vaongorore vaone chikonzero chokuti vaJudha vazhambe kwaari zvakadaro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mukuru wechiuru chamazana akarayira, kuti aiswe kuimba yavarwi, achiti abvunzwe nokurohwa zvikuru, kuti azive mhosva yavakanga vamupopoterera kudai.
Shona 2009?
mukuru wechuru chamazana akaraira, kuti aiswe kuimba yavarwi, achiti abvunzwe nokurobwa zvikuru, kuti azive mhosva yavaimupopotera kudai.
Shona SUB 2002 Bible
mukuru wechiuru chamazana akarayira, kuti aiswe kuimba yavarwi, achiti abvunzwe nokurohwa zvikuru, kuti azive mhosva yavakanga vamupopoterera kudai.