Acts 22:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋamusuŋga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, wakaŋga amire’po: Makatenderwa kuroʋa munhu uri muRoma, asina‐kutoŋgwa here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavakamusunga kuti vamurove, Pauro akati kumukuru wezana akanga amirepo, “Munotenderwa here nomutemo kuti murove muRoma, asina kana kutombowanikwa ane mhosva?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakanga vamusunga netambo, Pauro akati kumutungamiri wezana ramasoja akanga amire pedyo, “Zviri pamutemo here kuti imi murove munhu muRoma musina kumubata nemhosva.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vamusunga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, akanga amirepo, “Makatenderwa kurova munhu ari muRoma, asina kutongwa here?”
Shona 2009?
Zvino vakati vamusunga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, wakanga amirepo: Makatenderwa kurova munhu uri muRoma, asina kutongwa here?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vamusunga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, akanga amirepo, “Makatenderwa kurova munhu ari muRoma, asina kutongwa here?”