Acts 22:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini ndiri muJuda, ndakaɓerekwa paTarso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurairo wamadziɓaɓa eɗu, ndicishiŋgairira Mŋari, semi mose nhasi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ini ndiri muJudha, akaberekerwa kuTasasi yeSirisia, asi ndakarerwa muguta rino. Pasi paGamarieri ndakanyatsodzidziswa mutemo wamadzibaba edu uye ndakanga ndichishingairira Mwari sezvamunoita imi nhasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ini ndiri muJudha ndakaberekerwa kuTasusi kuSirisia. Asi ndakarerwa muguta rino ndiri mumaoko aGamarieri ndikanyatsodzidziswa kuchengeta nemazvo chaimo mutemo wamadzibaba edu ndiine shungu naMwari sezvamakangoitawo imi nhasi uno.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ini ndiri muJudha, ndakaberekwa paTaso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurayiro wamadzibaba edu, ndichishingairira Mwari, semi mose nhasi;
Shona 2009?
Ini ndiri muJudha, ndakaberekwa paTaso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurairo wamadzibaba edu, ndichishingairira Mwari, semi mose nhasi;
Shona SUB 2002 Bible
“Ini ndiri muJudha, ndakaberekwa paTasasi muSirisia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurairo wamadzibaba edu, ndichishingairira Mwari, semi mose nhasi;